Accessibility links

Breaking News

Crisis in Zimbabwe Coalition Inoita Musangano Wepagore


Vamiriri vemasangano makumi matanhatu, vanova nhengo dze Crisis in Zimbabwe Coalition, vaita musangano neChishanu muHarare kuti vazeye nezvemabasa esangano iri, pamwe nekutsvaga dzimwe nzira dzekugadzirisa matambudziko ari munyika.

Pamusangano uyu, uyo unoitwa kamwe pagore, nhengo dze Crisis in Zimbabwe Coalition, dzasarudza zvakare VaArnold Tsunga, kuti varambe vari sachigaro vesangano iri, uye Amai Tabitha Khumalo, ndivo vaitwa mutevedzeri waVa Tsunga vachitsiva VaColin Gwiyo.

Crisis in Zimbabwe Coalition mubatanidzwa wemasangano mazana matatu nemakumi mashanu.

Va Jacob Mafume national co-odinator ve Crisis in Zimbabwe Coalition, vaudza mutori wenhau we Studio seven, Carole Gombakomba, zvizere nezvemusangano uyu.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG