Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Vanocherechedza Zuva Revashandi


Zviuru nezviuru zvevanhu zvaungana muHahare zvichipemberera zuva revashandi kana kuti Workers' Day.

Sangano reZCTU raita musangano nevashandi kunhandare yeGwanzura mumusha weHighfields uye sangano reZimbabwe Federation of Trade Unions, kana kuti ZFTU raitawo musangano waro kuRufaro.

Mutori wedu wenhau Thomas Chiripasi uyo ari muHarare anotiudza zvaitika kumhemberero idzi.

Vashandi vaunganawo munzvimbo dzakasiyana siyana munyika umo vanga vachi cherechedzawo zuva revashandi. Asi vazhinji vataura neStudio7 vati hapachina zvekupemberera pazuva iri, asi kutoti kurangarira kuoma kwaita hupenyu.

Mune mamwe maguta, vashandi vakatorambidzwa kuungana nezvikonzero zvakasiyana siyana zvinosanganisira kutyirwa kwekuitika kwemhirizhonga.

VaElliot Muposhi vekuMasvingo vaudza Jonga Kandemiiri Studio7 kuti vashandi vanofanirwa kubatana pakurwira kodzero dzavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG