Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoomesera MDC Pakuita Misangano Yayo


Mapurisa abvumidza MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai kuita musangano wayo kwaMutare neMugovera. Asi mapurisa anoti bato iri harifanirwe kushandisa michina yekuti mashoko anzwikwe zvakanaka panenge pakaungana vanhu vakawanda.

Mapurisa anonzi arambidzazve vanhu kuti vasaimbe nziyo dzezve matongerwo enyika. Asi MDC inoti haisi kuzotevedza zvatarwa nemapurisa.

Mutori wenhau weStudio 7 Loirdham Moyo, uyo ari kwaMutare, anoti mutauriri weMDC, VaPishai Muchauraya, vati havasi kuzotevedzera zviri kutaurwa nemapurisa izvi.

Tichiri panyaya yemisangano iyi, MDC inoti iri kutarisira kuita mimwe misangano kuChitungwiza, Rusape, Mutasa, Masvingo, Gweru, Zvishavane pamwe nekuEpworth.

VaNelson Chamisa mutauriri weMDC vanoti vari kuda kusuma vatsigiri vavo nezvenyaya yesarudzo, hurukuro dziri kuitwa naVaMbeki uye kurohwa kuri kuitwa vatsigiri vavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG