Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoramba Ichipamba Nekushungurudza Nhengo dzeMDC


Mashoko atatambira anoti masoja, mapurisa pamwe chete nevechidiki veZanu PF, vari kurova vanhu husiku kumaruwa ekwaSeke.

Izvi zvinoteverawo kushungurudzwa kuri kuitwa vanhu vanofungidzirwa kuti vanopikisa hurumende mumaguta.

Mutori wedu wenhau Thomas Chiripasi, uyo aenda kwaSeke, anoti ruzhinji rwevanhu rwavakutya kurara mudzimba.

Ukuwo hurumende iri kuenderera mberi nekushungurudza nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

Izvi zvinotevera kupfurwa nekusungwa kwaVaPhilip Katsande, avo vakapfurwa pamba pavo kuBudiriro mambakwedza emusi weMugovera, nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori.

VaKatsande vari muchipatara cheParirenyatwa uko vari kutarisirwa kuvhiyiwa kuti vabviswe mabara ari mumuviri mavo.

Ukuwo munyori mukuru wevechidiki muMDC, VaSolomon Madzore, vanonzi vakarohwa zvakaipisisa mushure mekutorwa zvine chisimba mangwanani emusi weSvondo nevanhu vakanga vakapakatira pfuti.

VaMadzore vanonzi vari muhusungwa vari paHarare Central Police Station. Gweta riri kumirira VaMadzore, VaTafadzwa Mugabe, avo vanoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, vaudza Studio 7 kuti vanyimwa mvumo yekuti vaone VaMadzore.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti zviri kuitwa nehurumende izvi kuda kutyisidzira nhengo dzavo sarudzo dzegore rinouya dzisati dzaitwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG