Accessibility links

Breaking News

Kudhura Kwemabhazi Kotadzisa Vakawanda Kufamba Pazororo.


Vanhu vakawanda munyika vatadza kushanyira hama neshamwari munguva ino yezororo, zvichitevera kukwidzwa kwemari dzekufambisa nevemabhazi.

Kutanga kwesvondo rino vemabhazi vakakwidza mari dzinobhadharwa nevanhu nezvikamu zvingangosvika zana kubva muzana.

Kubva kuHarare kuenda kuBulawayo, kwava kuita $180 000.00. Vanhu vazhinji vanonzi vanga vakazara munzvimbo dzinokwirirwa zvitima, sezvo zviri kubhadharisa mari dziri pasi pasi.

Vamwe vane mabhazi vataura neStudio 7 vati havasati vakwanisa kuwana mafuta ari kunzi akaderedzwa mutengo. Mumaguta anoti Harare, Gweru, Mutare neChinhoyi, vanhu vanonzi vanga vari vashoma panzvimbo dzinokwirirwa mabhazi.

Mvura yanayawo kwaMutare inonzi yaitawo kuti vamwe vanhu vagare mudzimba.

VaTaurai Nasho, avo vanga vari pamusika weGwayagwaya muChinhoyi vachimirira mabhazi ekuti vaende kumusha kwavo kuKenzamba vaudza mutori wenhau dzeStudio 7 Jonga Kandemiiri, vakundikana kufamba nemhuri yavo sezvo vasina mari inokwana.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG