Accessibility links

Breaking News

Zviuru Zvitatu Zvevanhu Zvinoungana Panyaradzo yaVaTandare


Nyaradzo yamuchakabvu Gift Tandare, avo vakapfurwa nemapurisa pamvongamupopoto yakaitika ku Highfield musi wa 11 Kurume, yaitwa muHarare nhasi. Vanhu vanosvika zviuru zvitatu vanonzi vanga vari panyaradzo iyi.

Nyaradzo iyi yaitirwa ku Northiside Community Church muBorrowdale, uko kwaendwawo nevatungamiri veMDC, vedzisvondo pamwe nevemasangano anoshanda akazvimirira.

Mutori wedu wenhau ,Thomasi Chiripasi , uyo ari muHrare, anotipa nyaya iyi.

Tichiri panyaya iyi, nhengo yeNational Executive yeMDC inotungamirwa naVaTsvangirai, uye vari shamwari yamuchakabvu Gift Tandare, VaLast Maengahama, vatorwa nechisimba nevanhu vanofungidzirwa kuti maCIO papera hurongwa hwekurangarira VaTandare. Munyori wezvechidiki muHarare Province, VaRobert Manyengavana, vanoti VaMaengahama vatorwa nevarume vashanu. Pavarume vapamba VaMaengahama, mumwe wacho anonzi anga ane pfuti. Izvi zvaitikira paBorrowdale Village.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG