Accessibility links

Breaking News

Vashandi veCHRA Votya Kushandisa Mahofisi Avo muHarare


Sangano reCombined Harare Residents Association, CHRA, rinoti rava kutya kushandisa mahofisi aro emuHarare, zvichitevera kutyisidzirwa kwavari kuitwa nevanhu vanofungidzirwa kuti ma CIO pamwe nematikitivha.

Kutyisidzirwa uku kwakatanga mushure mekuratidzira kwakaitwa nesangano iri nemusi weChipiri. Mutauriri weCHRA, VaPrecious Shumba, vanoti matikitivha ari kuswera achitenderera pamahofisi avo vachitsvaga vashandi veCHRA.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi. Asi CHRA inoti icharamba ichiita basa rayo kudzimwe nzvimbo, kunyange vasingachakwanisi kushandira mumahofisi avo.

Mutori venhau weStudio Seven Patience Rusere ataura naVaShumba kuti vatipe zvikonzerwo zviri kupa kuti vasashandise mahofisi aya.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG