Accessibility links

Breaking News

Komisheni yeAfrican Union Yoshora Zviri Kuitika Munyika


Sachigaro vekomisheni yeAfrican Union, Va Alpha Konare, vanoti vari kushushikana zvikuru nezviri kuitika muZimbabwe.

VaKonare vanoti hurumende yaVaMugabe inofanirwa kuremekedza kodzero dzevanhu, sezvonodiwa nemutemo weAfrican Union Constitutive Act. VaKonare vakurudzira mapato ose kuti agare pasi, ataurirane kuti vagadzirise zviri kunetsa munyika.

Ukuwo, vanoona nezvekufambiswa kwemashoko mubazi re Peace and Security mu African Union, , Va Assane- Ba, vaudzawo Studio 7 kuti African Union haina zvimwe zvaingakwanise kuita panguva ino, kunze kwekungokurudzira vari kunetsana munyika, kuti vataurirane.

Doctor John Makumbe inyanzvi munyaya zdezve matongerwo enyika, uye vari mudzidzisi pa University of Zimbabwe. Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba , aita hurukuro naDoctor Makumbe, ndokutanga nekuvabvunza kuti mashoko ari kubva ku African Union, ane hudzamu here?

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG