Accessibility links

Breaking News

Kuvigwa kwaVaTandare Kotora Nguva Yakareba Kusati Kwaitwa


Kuvigwa kwaVaGift Tandare, nhengo yeMDC yakapfurwa nemapurisa musi weSvondo ndokufa, kungangononoka sezvo pari kunzi pashayikwa nyanzvi inoongorora zvakakonzera kuti vafe.

Bato reMDC rinoti ranga rakatarisira kuti VaTandare vangangovigwa neChishanu kana neMugovera, asi zvimhingamipinyi zviri kunyuka izvi zvingango kanganisa hurongwa uhwu.

Vana mazvikokota vanoshandira hurumende ndivo vanomboita basa iri asi vanonzi vari kushayikwa.

VaLast Maengahama, vanowe munyori webato muHarare Province vaudza Studio 7 kuti pane fungidziro yekuti zvimwe kushayikwa kwavanachiremba uku kuri kuitwa maune sezvo mune dzimwe nyaya dzakadai vanachiremba ava vachiwanikwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG