Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanonzi Vari Kudavira Mishonga Yavari Kupihwa


Vana mazvikokota vakavheneka mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti kunyange hazvo VaTsvangirai vakakuvara zvakaipisisa, musoro wavo ucharapika zvakanaka uye hausi kutyirwa kuti ungaipisise sezvanga zvichifungidzirwa.

VaTsvangirai vakaendeswa muIntensive Care Unit muAvenues Clinic neChitatu zvichitevera kuvhenekwa kwavakaita. Panga paine kutyirwa kuti pamwe hurozvi hwaVaTsvangirai hunogona kunge hwakapindwa neropa zvichitevera kurohwa kwavakaitwa nemapurisa.

Mashoko aitiri kutambira anotiwo munyori anoona nezve hurongwa pamwe negwara rebato, Amai Sekai Holland, pamwe nemutevedzeri wemunyori anoona nezve kudyidzana nedzimwe nyika, Muzvare Grace Kwinjeh, vanonzi vanga vachiongororwa navanamazvikokota muswere wese wezuva, sezvo vakakuvara zvakaipisisa.

Amai Holland vanonzi vavhiyiwa kaviri uye vari kuda kuvhiyiwa kechitatu. Muzvare Kwinjeh vanonzi vakazvimba muviri wose, uye ganda ravo rakasvibiswa nemadzvanga ekurohwa nemapurisa.

Vamwe vatungamiri veMDC vanga vari muchipatara, vakaburitswa neChipiri kuti varapwe vachibva kudzimba dzavo. Vaburitswa vanosanganisira mutauriri weMDC , VaNelson Chamisa, munyori mukuru webato iri, VaTendai Biti, mutevedzeri wemubati wehomwe, VaElton Mangoma, pamwe nasachigaro we NCA Doctor Lovemore Madhuku.

Vachipindura zvakaburitswa mubepanhau re Herald nechipiri zvokuti vatsigiri veMDC ndivo vakakanda mabhambu eputuru uye hutsi hunokatyidza vakakuvadza mapurisa echidzimai matatu kukamba yemapurisa yekuMarimba, VaChamisa vati aya manyepo ari kutaurwa nemapurisa. Bepanhau reHerald rinoti mapurisa maviri aya, akakuvara uye ari muchipatara cheParirenyatwa.

Zvinonziwo kuGweru kwakakandwa zvakare mabhambu epeturu aya pakamba yemapurisa yeNehanda. Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Wayne Bvudzijena, vati hapana ati asungwa muHarare, asi kuGweru kwakasungwa vanhu vashanu.

VaChamisa vaudza mutori wenhau we Studio 7 Blessing Zulu kuti havana daka ravainaro nemapurisa asi havakurudzire kuti varove nhengo dzavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG