Accessibility links

Breaking News

Vashandi Vemumapurazi Vanowedzerwa Mari Dzavanotambira


Sangano reGeneral Agriculture and Plantation Workers Union of Zimbabwe, GAPWUZ, rati rakawirirana nevashandirwi pamari itsva dzichatambirwa nevashandi vemumapurazi.

Vashandi vemuminda vanenge votambira mari inoita $32 000.00 pamwedzi, ichikwira kubva pa $8 000.00 yavanga vachitambiriswa. Vanoshanda muminda yemaruva vanenge votambira $70 000.00 pamwedzi uye mari idzi dzichapiwa kubva muna Ndira.

Asi nyanzvi munyaya dzezve hupfumi dzinoti mari itsva idzi hadzina chadzichatenga sezvo zvinhu zviri kuramba zvichikwira mitengo.

Sangano reConsumer Council of Zimbabwe rinoti mhuri ine vanhu vatanhatu inofanirwa kunge ichiwana mari inoita $686 000.00 pamwedzi.

VaJotham Mutemeri avo vanoona nezve kuburitswa kwemashoko muGAPWUZ vaudza Studio 7 kuti nhengo dzavo dzinofanirwa kusimba, dzozvimirira panyaya dzekodzero dzadzo, uye vanotarisira kuti muhurukuro dzechikamu chechipiri vashandi vachapiwawo mari dziri nani.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG