Accessibility links

Breaking News

VaChideya Vanorambidzwa Kutangisa Basa Zvakare Semunyori Weguta reHarare


Sangano rinomirira vagari vemuHarare reCombined Harare Residents Association, CHRA, neMuvhuro razivisa kuti vaimbove munyori weguta iri, VaNomutsa Chideya, avo vakanzi nedare repamusoro vadzoke pabasa, varambidzwa kutanga basa.

VaChideya vanonzi vanga vaenda kumahofisi ekanzuru kuti vatange basa sezvakatongwa nedare, asi mapurisa ekanzuru anosvika makumi maviri, avarambidza kuita izvi.

Zvinonzi kanzuru yeHarare yakwikwidza mutongo uyu nekukwidza nyaya iyi kudare repamusoro soro reSupreme Court.

Dare reHigh Court rakatonga svondo yapera kuti komisheni inotungamirirwa naMuzvare Sekesai Makwavarara, haisi pamutemo, nokudaro haikwanisi kudzinga vaChideya basa.

NeChishanu svondo rapera VaChideya vanonzi vakaenda kubasa uko vakangosviko gara kwenguva duku vachizokumbira kubva pabasa munguva dzemasikati, vachiti vachadzoka kubasa neMuvhuro.

VaPrecious Shumba vanowe mutauriri weCHRA vaudza mutori wenhau dzeStudio 7 Jonga Kandemiiri kuti gurukota rezvekutongwa kwemaguta VaIgnatius Chombo vanofanirwa kutongwa nemhosva yekuzvidza mitongo yematare.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG