Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoburitsa Mutungamiri wePTUZ Muhusungwa


Mutungamiri weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaTakavafira Zhou, avo vakasungwa nemapurisa neChitatu, vati varegererwa masikati eChishanu mushure mekunge mapurisa ati ari kushaya vafakazi.

VaZhou vakasungwa vachipomerwa mhosva yekutungamira kuratidzira kwakaitwa muguta reMasvingo nenhengo dzeMDC nedzeNCA.

VaZhou vati mapurisa ayiedza kuda kuvarovererawo nemhosva yekuda kubvisa hurumende, mashoko anoenderana nezvakataurwa nemutungamiri wenyika VaMugabe pamhemberero dzekuzvarwa kwavo.

VaZhou vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanofungidzira kuti kusungwa kwavo kune chekuita nemashoko aVaMugabe aya.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG