Accessibility links

Breaking News

Mitengo Yokwira Zvichitevera Mashoko Emutungamiri Webhanga Guru


Mitengo yezvinhu zvakawanda yakakwidzwa neChitatu vanhu vachitarisira kumiswa kwekukwidza kwemitengo yezvinhu nemari dzemihoro, uko kwanga kwakatarisirwa kutanga kwemwedzi uno, uko kusina kuzoitika.

Vachiparura hurongwa hwemashandisirwo emari mwedzi wapera, gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, vakati mitengo yezvinhu nemihoro hazvichakwidzwi kwemwedzi mina, senzira yekuti zvinhu munyaya dzeupfumi, zvigadzikane munyika.

VaGono vakati paifanirwa kutanga paumbwa chibvumirano (social contract) pakati pevashandi, vashandirwi pamwe nehurumende kuti izvi zvizoitika.

Munyori mukuru weZCTU, VaWellington Chibebe vaudza Studio 7 kuti muhurongwa hwavo hweTripartite Negotiating Forum havashandisi mazwi ekuti social contract vakati mazwi aya ndeeve zvemabhizimusi nehurumende.

Sangano reZCTU rati harinei nechekuita nehurongwa hwechibvumirano ichi sezvo hurumende isati yagadzirisa zvavakati zvitange zvagadziriswa mugore ranyoreranwa chibvumirano cheKadoma muna2001.

VaJames Jowa, nyanzvi mune zveupfumi vaudza Studio 7 kuti VaGono vakakanganisa kutanga vashambadza zuva rekumiswa kwekukwidzwa kwemitengo vasina kurovanisa masoro nevamwe vavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG