Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yosangana Mugovera Kuti Izeye Mihoro Nemitengo Yezvinhu


Sangano re ZCTU rinoti riri kuenderera mberi nemusangano waro we General Council mangwana kuitira kuti vabude nechisungo pamatanho avanofanirwa kutora.

ZCTU yakapa hurumende kusvika Kukadzi 23, kuitira kuti inge yagadzirisa zvose zviri kunetsa munyika.

Mashoko atinawo anotiwo hurumende yakakoka ZCTU kuti vataurirane neChina.

Zvinonzi hurumende yakaudza ZCTU kuti dai paumbwa komiti inofanirwa kuongorora zvinhu zviri kufanirwa kunge zvichigadziriswa nehurumende.

Mutori wenhau dzeStudio7 Patience Rusere abata munyori mukuru we ZCTU, VaWellington Chibebe, kuti vatsanangure kuti nyaya yavo yava papi.

Dzimwe Nhau dze Studio 7...

XS
SM
MD
LG