Accessibility links

Breaking News

ZIMTA Yobatana nePTUZ Mukuramwa Mabasa


Sangano revarairidzi reZimbabwe Teachers Association, ZIMTA, razivisa kuti ravakuramwawo mabasa kutanga neMuvhuro zvichitevera kukundikana kwehurukuro dzemihoro dzakaitwa nemusi weChishanu.

Hurumende yakanga yati varairidzi vatambire mari inoita $180 000.00 kubva pa$84 000.00 yavari kutambira pari zvino. Asi sangano iri rakaramba kutambira mari iyi richiti ishoma pane inodiwa nenhengo dzaro.

Mutungamiri weZIMTA, uye varizve sachigaro weApex Council, Amai Tendai Chikowore, vabvuma kuti sangano ravo ratanga kuramwa mabasa vakati ivo vari kungotevera zvinodiwa nenhengo dzavo.

Kuramwa mabasa uku kunorevawo kuti ZIMTA yabatanawo nesangano rePTUZ iro rakatanga kuramwa mabasa masvondo maviri apfuura.

Bepanhau reSunday Mail rinoti vashandi vehurumende vari kuramwa mabasa, vari kushandiswa nehurumende yeBritain pakuda kushandura hutongi hwemunyika.

Varairidzi vari kuda kuti vapiwe mari dzinodarika Poverty Datum Line, iyo yava pa $566 000.00 pamwedzi.

Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanofarira danho ratorwa neZIMTA sezvo richisimbisa izwi ravo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG