Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Nema Youth Militia Vanorwisana Nevatsigiri veMDC muHarare


Zviuru nezviuru zvevatsigiri ve MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, zvakapinda mumigwagwa neChishanu zvichratidzira muHarare.

Asi kuratidzira uku kwakazopedzisira kwava nemhirizhonga mukati zvichitevera kurohwa kwainge kwaitwa vanhu vainge vachiratidzira nemapurisa uye nevanhu vanofungidzirwa kuti ndevechidiki vanozivikanwa neremadunhurirwa rekuti “Green Bombers”.

Zvinonzi vatsigiri veMDC vadzorerawo izvo zvazopa kuti muguta muite bata wabata. Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa vanoti gurukota rezvekudzivirirwa kwemukati menyika, VaDidymus Mutasa, pamwe nemutevedzeri wegurukota revechidiki, VaSaviour Kasukuwere, ndivo vange vachitungamira muhurongwa hwekuvhiringa kuratidzira kwe MDC.

VaChamisa vati vaona VaMutasa nava Kasukuwere vachifamba famba vari mumotokari muguta reHarare.

Mumiriri weKambuzuma mudare reparamende uye vachiona nezve kuburitswa kwemashoko muHarare, VaWillas Madzimure vaudza mutori wedu weStudio 7 Blessing Zulu kuti vambozvuzvurudzwawo nevechidiki ava.

Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera, tabata VaDidymus Mutasa avo varamba kuti vange vasinei nezvekuratidzra uku.

Blessing Zulu aitawo hurukuro naVaKasukuwere avo vati VaChamisa nemunyori mukuru weMDC, VaTendai Biti, ndivo vange vachikurudzira vatsigiri vavo kuita mhirizhonga. Asi vaviri ava varamba mashoko aya.

Mune imwe nyaya, nyaya yekuti MDC ichabvumidzwa here kana kuti kwete kuita musangano wayo kuZimbabwe Grounds neSvondo, ichanzwikwa mudare neMugovera na 10. MDC yakakwidza nyaya iyi mudare neChina mushure mekunge yanzi nemapurisa vambomisa musangano uyu.

Asi MDC inoti kunyange hazvo mapurisa akati haakwanise kunge ari pamusangano uyu, iyo pachayo ichaenderera mberi nemusangano uyu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG