Accessibility links

Breaking News

VaSaki Vomirira Vatungamiri VePTUZ Vari Muhusungwa


Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaOtto Saki, vanoti nhengo mbiri dzeProgressive Teachers Union of Zimbabwe dzakasungwa neChitatu, dzichiri muhusungwa zvichitevera kukundikana kwemapurisa kudziendesa kumatare edzimhosva neChina.

Munyori wesangano iri, VaRaymond Majongwe, pamwe nemubati wehomwe, VaMacdonald Mangauzane, vakasungwa neChitatu vari pachikoro cheHaig Park muMabelreign apo vaida kusangana nevarairidzi.

VaSaki vanoti mapurisa haana kukwanisa kupa zvikonzero zvakajeka zvaita kuti vatadze kuendesa vaviri ava kumatare edzimhosva.

VaMajongwe naVaMangauzane vachakachengetedzwa vari paHarare Central Police Station. Hatina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Varairidzi vakawanda vanonzi vaungana pakamba yemapurisa iyi vachimirira kuburitswa kwevaviri ava.

Varairidzi vari kuramwa mabasa vachiti vanoda kuti mari dzavanotambiriswa dzienderane nePoverty Datum Line.

VaSaki, avo vanoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, vaudza mutori wenhau dzeStudio 7, Jonga Kandemiiri kuti semaonero avo, mapurisa ari kuda kungoti vaviri ava vagare muchitokisi kwemazuva maviri anobvumirwa pamutemo vasati vaenda navo kumatare.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG