Accessibility links

Breaking News

Vadzidzi Vemuzvikoro Zvepamusoro soro Vasungwa Nemapurisa muBulawayo


Mapurisa emuBulawayo arova ndokukuvadza zvinosiririsa vadzidzi vanosvika vasere, uye akasungawo vadzidzi vemuzvikororo zvepamusoro soro vanga vachiratidzira vanodarika makumi manomwe.

Vadzidzi vasungwa ava, vanga vachibva pamusangano wavo wavaitira paBulawayo Polytechnic.

Mapurisa anodzivirira mhirizhonga, kana kuti anti riot police, anonzi arova vadzidzi ava apo vange vachienda kumahofisi agavhuna weBulawayo, Va Cain Mathema, kuti vanosvitsa zvichemo zvavo.

Vadzidzi ava vanoti havasi kufara nekukwidzwa kwakaitwa mari dzechikoro, pamwe nemabatirwo avari kuitwa nehurumende. Mapurisa aya anonzi anga akapakatira ma AK 47 rifles, mboma pamwe nezvombo zvehutsi hunokachidza.

Vanhu vasungwa vanosanganisira mutungamiri we SRC yepa Bulawayo Polytechnic, VeBlessing Vava, pamwe nasachigaro we Zimbabwe Christian Students Movement, VaLawrence Mashungu.

Hatina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi. Mashoko atatambira manheru eChipiri anoti pa Bulawayo Polytechnic paitika mhirizhonga, pakaputswa zvinhu zvakawanda.

Mutori venhau dzeStudio7 Patience Rusere abata mutungamiri we SRC yepa National University of Science and Technology, VaClever Bere, kuti vatiudze kuti zvinhu zvafamba seyi muBulawayo.

Dzimwe Nhau DzeStudio 7...

XS
SM
MD
LG