Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yosangana neBangladesh Mumutambo weCricket  Wehushamwari


Zimbabwe cricket team iri kutarisira kushura mare neSvondo kunhandare ye Harare Sports Club pamutambo wayo wekutanga wegore rino.

Zimbabwe iri kutamba nechikwata cheku Bangladesh pamutambo wegadziriro ye makwikwi makuru e International Cricket Council World Cup, ayo achatanga ku West Indies mwedzi uno uya.

Chikwata cheBangladesh ichi chiri kutarisirwa kunge chiri munyika kwemazuva gumi. Mutambo wekutanga wezvikwata zviviri izvi uchange uriko neSvondo, uchizoteverwa nemumwe mutambo wechipiri nemusi we Chipiri. Mutambo wechitatu uchatambwa ne musi we Chishanu, uye mutambo wekupedzisira wozotambwa nemusi we Mugovera svondo rinouya.

Vaongorori vemutambo we cricket vanoti chikwata cheZimbabwe chine mutoro mukuru sezvo chakambo kundwa 5-0 ne Bangladesh pamutambo wakapedzisira kutambwa nezvikwata zviviri izvi.

Vatambi veZimbabwe vachange vari muchikwata chichatamba vanoti; P Utseya(captain), G Brent, E Chauluka, C Chibhabha, E Chigumbura, C Coventry, K Dabengwa, T Duffin, T Garwe, A Ireland, T kamungozi, F Kasteni, H Masakadza, S Matsikenyeri, C Mpofu, T Mupariwa, M Nkala, E Rainsford, V Sibanda, B Taylor, Williams.

Vatambi veku Bangladesh: H Bashar(captain), S Nafees, A Ahmed, M Rafique, M Mortaza, T Imran, M Ashraful, S Al Hasan, M Hossain, S Hossain, R Rahim, M Shariff, T Baisya, A Razzak, T Khan.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 ataura nezvemutombo uyo nemutori wedu wenhau dzemitambo George Mupfuti, uyo ari muHarare.

Dzimwe Nhau dzeStudio7...

XS
SM
MD
LG