Accessibility links

Breaking News

ZESN Yoronga Misangano Yekuzeya Sarudzo Dzemutungamiri Wenyika


Sangano re Zimbabwe Election Support Network, ZESN, ratanga kuita misangano munzvimbo dzakatsaukana munyika richida kunzwa pfungwa dzavanhu panyaya yesarudzo dzemutungamiri wenyika.

ZESN inoti svondo rinouya ichabudisa gwaro rekutanga (preliminary report) rinoratidza mafungiro evanhu munyika pamusoro penyaya iyi. ZESN inoti iri kuenderera mberi nekugadzirira sarudzo idzi, sezvo bumbiro remitemo yenyika, richiti sarudzo dzemutungamiri wenyika dzinofanirwa kuitwa muna 2008.

Mamwe mapato anopikisa, pamwe nemasangano akazvimirira oga, ari kukurudzira hurumende ne ZANU-PF kuti vatange vaita referendum, kuti vanzwe kuti veruzhinji vanoti kudii, pamusoro pehurongwa hwekubatanidza sarudzo idzi muna 2010.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba , aita hurukuro na Muzvare Tsungai Kokerai, programs manager uye vachiona nezve research and advocacy musangano re ZESN, kuti tinzwisise kuti chinangwa chavo ndecheyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG