Accessibility links

Breaking News

Hurumende Nevanopikisa Voburitsirana Mapfumo Panyaya Yekuipa Kwaita Zvinhu Munyika


Zvinhu zvakaita manyama amire nerongo munyika zvichitevera kusamira zvakanaka kwehupfumi uye hurongwa hweZanu-PF hwekuda kuvandudza bumbiro remitemo yenyika, kuitira kuti VaMugabe vatonge kusvika muna 2010 pasina kuitwa sarudzo dzemuna 2008.

Mutauriri weMDC VaNelson Chamisa vanoti vari mushishi kugadzirira sarudzo idzi, uye bato ravo rinenge riri kuGlen View musi weSvondo richikurudzira vanhu kuti vagadzirire sarudzo kana kuratidzira kusafara nezviri kuda kuitwa neZanu-PF. Munyori mukuru weZCTU, VaWellington Chibebe, vanotiwon eMugovera vachaita musangano weGeneral Council uye vari kutarisira kuti pachabuda chisungo chekuti vashandi vatange kuratidzira.

Vana chiremba navana mukoti vari kuratidzira uye vadzidzisi vemuzvikoro zvepamusoro soro, pamwe nevadzidzi vacho, vanoti vari kutanga kuratidzira svondo rinouya. Asi gurukota rezvekudzivirirwa kwemukati menyika, vakembo Mohadi vanova VaKembo Mohadi, vanoti vanoda kuratidzira vanenge vazvisikira moto muziso.

Bepanhau reHerald rinoti VaMohadi vanoti vari kudawo kuti huwandu hwemapurisa husvike pa 50 000. Pane mashoko ekutiwo masoja ari kkupinza basa vanhu vatsva sezvo hurumende iri kutyira kuti munyika mungangoita mhirizhonga.

VaBrian Kagoro vanoongorora zvematongerwo enyika vachishandazve neAction Aid vari kuNairobi Kenya, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti VaMugabe ndichandagwinyira uye havaoni vachiteerera zviri kutaurwa nevanhu kuti vasiyane nenyaya yekuda kutonga kusvika madhongi amera nyanga.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7 yeZimbabwe...

XS
SM
MD
LG