Accessibility links

Breaking News

Vatungamiri Vevadzidzi Vemuzvikoro Zvepamusoro soro Vaburitswa Muhusungwa


Vatungamiri vevadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro soro vanosvika gumi, avo vakanga vasungwa nemapurisa neChitatu muBulawayo, vaburitswa muhusugwa China mangwanani.

Zvinonzi hapana kana mhosva yavapomerwa nemapurisa, kunze kwekurariswa vari muchitokisi. Kurarmwa kwevadzidzi kupinda muzvikoro, kunonzi kwapararira kunzvimbo dzakaita se Gweru Polytechnic neku Midlands State University.

Vadzidzi ava vanoti havasi kufara nekukwidzwa kwakaitwa mari dzechikoro. Mutori wenhau dze Studio7, Patience Rusere abat VaWashington Katema, Co-ordinator ve ZINASU kuti vatitsanangurire zvaitika.

Dzimwe Nhau DzeStudio 7...

XS
SM
MD
LG