Accessibility links

Breaking News

Mwana Africa Yogadzirira Makwikwi eConfederation Cup


Vatambi vechikwata Chemwana Africa nhasi varikutarisirwa kutanga gadziriro yavo yemakwikwi eConfederation Cup kuTrojan Mine kuBindura. Mwana Africa ichatanga nekutamba nechikwata cheMundu FC chekuTanzania mugadziriro iyi.

Mutambo wekutanga uchatambirwa kuTanzania kupera kwemwedzi uno.

Mumwe mutambi wechikwata CheMwana Africa Chipo Tsodzo audza mutori wedu wenhau weStudio 7 Marvellous Mhlanga-Nyahuye kuti arikutarisira gadziriro yeChina iyi nemaziso matsvuku sezvo arikuda kuti chikwata chake chikwanise kusvika kumafinals emakwikwi aya.

Mwana Africa yakapinda mumakwikwi aya mushure mekukunda Chapungu mumakwikwi emukombe eCBZ.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG