Accessibility links

Breaking News

VaChombo Vopinza Zvigunwe Zvavo Pakusarudzwa Kwemunyori Mutsva Weguta reHarare


Gurukota rezve kutongwa kwematunhu nemaguta, Va Ignatius Chombo, vanonzi vari kupindira mukusarudzwa kwemunhu achatora chinzvimbo chakasiyiwa nevaimbove munyori weguta reHarare, VaNomutsa Chideya.

Zvinonzi mushure mekunge board ye Local Government yataura nevari kuda basa, avo vanoti, VaTendai Mahachi, chipangamazano chekanzuru yeHarare, Doctor Morgan Chawawa, munyori weguta reMutare, pamwe naVa George Makunde, munyori weguta reKariba, board iyi yakati VaMakunde ndivo vaifanirwa kupihwa basa iri, sezvo vakakunda vamwe vavo.

Asi VaChombo vanonzi vari kuda kuti basa iri ripihwe VaMahachi, avo vakamboshanda semutungamiri we Air Zimbabwe. Asi zvinonzi dzimwe nhengo dze board iri dziri kuti munhu akakunda vamwe, ndiye anofanirwa kupihwa basa iri.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rasachigaro we board iri, VaJoseph Mandizha. Studio7 yakundikanawo zvakare kunzwa divi raVaChombo. Nepamusana pemakakatanwa avapo aya, vane ruzivo nezviri kuitika vanoti izvi ndizvo zvava kunonotsa kudomwa kwemunyori weguta mutsva.

VaChideya vakadzingwa basa naMuzvare Makwavarara gore rapera muna Chikumi, vachipomerwa nyaya yekutadza basa, pamwe nehuori. Doctor John Makumbe inyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vachidzidzisa pa University of Zimbabwe.

Patience Rusere weStudio7 ataura naVaMakumbe kuti tinzwe zvavanofunga pane zviri kuitika panyaya iyi, uye kuti seyi VaChombo vari kuti basa iri ripihwe VaMahachi.

Dzimwe Nhau DzeStudio 7...

XS
SM
MD
LG