Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chinopinda muBhizinesi reKutengesa Nzvimbo dzeKuvakira Dzimba muSouth Africa


VaPeter Magaso.
VaPeter Magaso.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naVaPeter Magaso, avo vari mubhizimisi rekutengesa nzvimbo dzekuvakira dzimba pamwe nekugadzira mishonga yekuchenesa zvinhu vari mukuru wekambani yePetmag Trading and Projects iri muSouth Africa.

Kunze kwekutengesa nzvimbo dzekuvakira nekugadzira mishonga yekushandisa mukugezesa zvinhu zvakasiyanasiyana, vaMagaso vanoti kambani yavo inobatanawo zvakare nekambani yePUT U 2 REST FUNERAL PARLOUR CC mukubatsira kutakura nekuradzika vafi.

VaMagaso, avo vagara muSouth Africa kubva zvavakapindamo muna 2008, vanoti vari kutengesa nzvimbo dzekuvakira dzimba dziri mumusha weMangwanani Valley uri muPretoria West vachishanda nekambani yeHoningnest Projects (pvt)Ltd.

Mangwanani Valley, South Africa.
Mangwanani Valley, South Africa.

VaMagaso vanoti nzvimbo dzavari kutengesa dzine magwaro ekuti mutengi ndiye anenge ave muridzi, kana kuti Title Deeds, uye nzvimbo yakakura 200sqm iri kutengeswa nemari inoita 15000 ZAR (Rand), kuchitiwo yakakura 400sqm ichitengeswa nemari inoita 30000 ZAR.

Vanoti havana kuita dambudziko rekupinda mubhizimisi rekutengesa pekugara iri sezvo mitemo yehurumende yeSouth Africa iri maringe nekutengeswa kwenzvimbo dzekuwakira yakajeka chose.

VaMagaso vanoti vanoda kuvabata vanokwanisa kuvabata panhamba dzenhare dzinoti +27717704601, +27614290842 kana +27829751235, kana kubata Mukuru wekambani yeHoningnest Project (Pvt) Ltd, VaRiaan Groenewald panhamba dzenharembozha dzinoti +27 64 554 7160.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG