Accessibility links

Breaking News

Vatevedzeri veVari kuKwikwidza muSarudzo yeMutungamiri weNyika muAmerica Vosangana muGakava


VaTim Walz naVaJD Vance.
VaTim Walz naVaJD Vance.

Vatevedzeri vevari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika muAmerica Va JD Vance naVaTim Walz vari kusangana kekutanga Chipiri manheru enguva dzeAmerica mugakava rimwechete ravachaita.

Mutori wenhau weVOA Scott Stearns anotarisa zvingatarisirwa pachasangana vaviri ava apo vachasangana muNew York.

VaTim Walz naVaJD Vance vachasangana paterevhizheni kwemaminetsi makumi mapfumbamwe paine vakokeri vaviri asi pasina veruzhinji.

VaVance ndiSeneta weAmerica mudunhu reOhio vachikwikwidza pamwechete naVaDonald Trump.

Vanoti gakava iri mukana wekuratidza kuti Republican Party inovandudza sei hupfumi nekuchengetedza miganhu yenyika.

“Uyu mukana kwandiri wekuti ndiudze vanhu vemuAmerica zvandinofunga kuti tingaita kuti hupenyu hwavo huve nani nekuti hurongwa hwaVaDonald Trump hungaita kuti vabudirire sei, hungaita sei pasi rose rive nerunyararo nekuchengetedza miganho. Kana taiata zvose izvi tinokunda.”

VaWalz ndigavhuna wedunhu reMinnesota uye vari kukwikwidza pamwechete naAmai Kamala Harris. Vanoti veDemocratic Party vari kutarisa zvizvarwa zveAmerica zviri mumabasa, unove musiyano nevavari kukakavadzana navo.

“Sevanhuwo zvavo vose vandakakura navo mudunhu redu, JD akadzidza paYale, akabatsirwa kutanga basa rake nemabhiriyoneya eku Silicon Valley, akazonyora bhuku rakatengwa zvakanyanya raishoropodza vanhu ivavo. Handizvo zvinorehwa nehupenyu hwevanhu vari pakati pevapfumi nevarombo muAmerica. Regai ndikuudzeyi, ndanonokerwa nekuti ndipikisane naye.”

VaVance vakambove munhu aishoropodza VaTrump pane imwe nguva asi vakawana rutsigiro rwekuti vakwikwidze musarudzo yaseneta kubva kune vaimbove mutungamiri wenyika ava.

Asi VaVance vakazotsamirana nekurudziro yaVaTrump yekutungamidza America pamberi pezvose.

“Iye zvino vavengi vedu neveDemocratic Party vakawanda vanotishevedza sevanhu vanorwira varombo sekunge vanotuka. Asi kana kurwira varombo kuti vasimudzirwe kuchireva kuve kudivi revashandi pane kuve kudivi revapfumi vane masimba vakamora hupfumi kubva kune vari pakati nepakati vachitiisa muhondo dzekunze dzisina maturo, kubva nditambireyi.”

Va Vance vachangobva kuudza vatungamiri venyika dzemu Europe kuti vanofanirwa kubhadhara zvakawanda kubatsira Ukraine kurwisa kupambwa kwayo neRussia.

VaWalz Vanoti VaVance naVaTrump vanofanirwa kusiya hutungamiri hweAmerica.

“Apo veRepublican Party vaimbotaura nezverusununguko, vazhinji vavo vairevesa. Vakanga vasiri kuzofuratira vatinodyidzana navo. Vakanga vasiri kuzongosiya Ukraine yega.”

VaVance vanoti Amai Harris vari kukuvadza zvizvarwa zveAmerica zvinove vashandi vachitsigira vabvakure vari munyika zvisiri pamutemo.

“Zvinenge zviri kuda kuitwa naKamala Harris ndezvekupa zvese zvinounzwa nekuve chizvarwa cheAmerica kuvanhu vanofanirwa kunge vasitori munyika muno nekuita kuti zvisave nyore kuti vanhu kwavo vanokwanisa kutenga imba, kukwanisa kutenga zvekudya, kana kuti vabatsirwe nemari dzemudyandigere.”

VaWalz vanoti basa raVaTrump mune zvemabhizimusi nemune zvematongerwo enyika zvinoratidza kuti vari kungotsvaga vanhu vakapfuma saivo.

“Kusimudzira hupfumi kune avo vari kumusoro vachiomesera vanhu vari pasi. Ndizvo zvavari kuita. Mitengo yenyu inokwira. Vakavandudza mutemo weAffordable Care Act nekutidzosera kuchinyakare. Vakadimura mari dzemudyandigere dzeSocial Security neMedicare, zvinove zvinhu zvinoita kuti amai vangu vasapinda muhurombo.”

Makwikwi anhasi Chipiri ndiro gakava rekupedzisira pamberi pesarudzo yemusi waMbudzi 5, apo sarudzo dzevanokasika kuvhota dzatove pakati mune mamwe matunhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Iyo yanga iri nyaya yabva kumutori wenhau weVOA Scott Stearns yamaverengerwa neni Jonga Kandemiiri weVOA Studio 7.

Forum

XS
SM
MD
LG