Ngezi Platinum Stars nhasi masikati yawedzera hutungamiri hwayo iri pamusoro petafura yeCastle Lager Premier Soccer League mushure mekurova Greenfuel yekuChisumbanje.
Chikwata chekumaruwa eMhondoro-Ngezi ichi chave nemapoinzi matatu pamusoro peManica Diamonds mushure mekurova kwachaita Greenfuel 3-0 muBaobab Stadium masikati anhasi.
Ngezi yapinda mumapoinzi makumi mana nemashanu, Manica Diamonds iine mapoinzi makumi mana nemaviri mushure mekurovawo ZPC Kariba 2-0 nhasi masikati zvekare.
Murairidzi weNgezi, Takesure Chiragwi, anoti vari kuramba vachiita pavanogona kuti vatore mukombe mukuru uyu.
“Ticharamba tichishinga. Kwatirikuda kusvika, tichasvika chete, nguva inokwana,” anodaro Chiragwi.
Asi vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muchikwata cheManica Diamonds, VaSugar Chagonda, vanoti vari kuda kutenda vatsigiri vavo nekutorawo mukombe weligi uyu.
“Tinoda kumboitira vatsigiri vedu zvinhu zvavanotarisa. Gore negore tanga tichitamba zvakanaka. Asi tinoona sekunge hatisati tambovaitira chinhu chikuru,” vanovimbisa VaChagonda.
Highlanders yadzika kusvika pachinhanho chechitatu, poindi imwechete pasi peManica Diamonds, asi mapoinzi mana pasi peNgezi Platinum Stars.
Asi Highlanders ine mutambo mangwana muBarbourfields Stadium umo iri kusangana neYadah
Yadah iri panguva yakaoma apo iri pachinhanho chegumi neshanu, icho panguva ino chinovaendesa munhabvu yepasi-pasi yeDivision One kana zvikaramba zvakadai.
Asi mutambo washamisa veruzhinji mumabudiro awaita ndeuyo wanga uri muBarbourfields Stadium umo Bulawayo Chiefs yarova Dynamos 2-1.
Hapana anga achitarisira kuti Dynamos inorohwa, asi mumitambo, kunyanya yenhabvu, munobuda zvese zvese.
Caps United, iyo iri kutamba mangwana neChicken Inn, pamwechete neDynamos neHighlanders dziri kutsvedza zvishoma-nezvisoma kubva muhondo yekutora mukombe wakakosha uyu.
Mutsigiri wemutambo wenhabvu, VaSpencer Chilumba, vanoti zvikwata zvine mukurumbira izvi hazvisi kutora mukombe uyu mwaka uno zvekare.
“Zvikwata zvine mbiri handisi kumbozvitatisira kuti zvinotora mukombe. Ndirikuona kunge Ngezi kana FC Platinum,”vanofunhidzira VaChilumba.
Mangwana kune mutambo mukuru wezvikwata zviri kurwira raramo muPSL apo Simba Bhora iine Sheasham muBaobab Stadium.
Zvikwata zviviri izvi zviri panzvimbo yekubuda muCastle Lager Premier Soccer League.
Mimwe mitambo yapera seizvi; Herentals 2 Black Rhinos 1, Cranbourne 0 Hwange 1.
Mune mumwe mutambo neSvondo, Triangle iri kusangana neFC Platinum, iyo ine mukombe uyu.
Svondo rinouya hakuna mitambo yeligi asi kunenge kune makundano eChibuku Super Cup.
Forum