Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Voshora Danho reKumiswa kweMitambo yePSL neKuda kweKusamira Zvakanaka kweNational Sports Stadium


Members of the public sit in the stands during the state funeral for former president Robert Mugabe, at the National Sports Stadium, in the capital Harare, Zimbabwe, Sept. 14, 2019.

Vanotungamira nhabvu yepamusoro VePremier Soccer League vamisa mitambo yese yemugungano iri kusvika musi wa 1 Chikunguru zvichetevera kurambidzwa kwevatsigiri venhabvu kupinda muNational Sports Stadium nemhaka yekushaikwa kwehutsanana.

Gwaro rabva kumutauriri wegungano iri Muzvare Kudzai Bare rinoti vamisa mitambo iyi kubva nhasi kupa nguva kuti National Sports Stadium iyo isina mvura igadzirise dambudziko iri.

Izvi zvauya mushure mekunge mukuru wekumahofisi eSports and Recreation Commission Muzvare Elleta Nengomasha nhasi vazivisa kuti havachatenderi vatsigiri venhabvu munhandare iyi kusvikira dambudziko remvura ragadziriswa.

Vanoziva zviri kuitika vanoti nhandare iyi yanga yave njodzi kuhutano hweveruzhinji nekuipa kwanga kwaita zvimbuzi uyezve nepekugezera maoko.

Vaimbotungamira Mushowani Stars uyezve vakambove mubati wehomwe weZifa Northern Region VaWarren Kufandarerwa vanoti zvinhu munhandare iyi zvanga zvisingafanire kuregererwa zvichisvika pazvave apa.

Simon Chuma uyo akaita mukurumbira achitambira Dynamos anoti matambudziko eNational Sports Stadium akatanga kare asi aingoverengerwa kugadziriswa.

Muzvare Bare vanoti varikupawo nguva ino kuti huswa hwemunhandare hugadzirisike mushure mekushandiswa zvakanyanya.

Nhandare iyi haisi kuwana zororo nekushandiswa nezvikwata zvinomwe zvinoti Black Rhinos, Caps United, Dynamos, Herentals, Simba Bhora, Yadah neZPC Kariba.

Muzvare Bare vanoti vari kutarisirawo kuti panodzoka mitambo nhandare dzeRufaro Stadium, Nyamhunga, ne Sakubva dzinenge dzapera kugadziriswa kuti dzitambirwe nhabvu yepamusoro.

Meya weHarare VaJacob Mafume vanoti pane zvichirikuda kugadziriswa muRufaro Stadium vasati vashevedza veZifa nevePSL kuzoita ongororo yavo.

Mitambo yenhabvu yamiswa panguva iyo Ngezi Platinum Stars iri pamusoro petafura uyezve iri iyo yakapedzisira kushandisa National Sports Stadium apo yakarova Yadah 1-0 neMuvhuro.

Ngezi ine mapoinzi makumi maviri nematatu, poindi imwechete pamusoro peHighlanders iyo iri kutevera.

Murairidzi weNgezi Takesure Chiragwi anoti vachiri murwendo kusvika pavari kuda chaipo.

Asi murairidzi weDynamos Hebert Maruwa anoti mitambo yamiswa panguva iyo vanga vachitamba zvakanaka zvekuti zvinokwanisa kuzovakanganisa pavachadzoka.

Asi kune zvimwe zvikwata zororo iri rinovapa nguva yekugadzirisa panga pasingafambe zvakanaka. Mitambo iyi yamiswa paine Mutambo mukuru pakati peCaps United neHighlanders.

Muna 2020, Confederation of African Football yakarambidza nhandare dzose dzemuZimbabwe kutambirwa mitambo nedzimwe nyika nezvikwata zvekunze nekuti hadzisvike panotarisirwa kuti patambirwe nhabvu yepamusoro soro.

Zimbabwe yakarambidzwawo kutamba matambo nedzimwe nyika nekuda kwekupindira munyaya dzemitambo kunonzi kuri kuitwa neSRC.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG