Accessibility links

Breaking News

Mitengo Yoramba Ichiita Chamurambamhuru Kunyangwe Hurumende Iri Kuti Icharanga Vamwe VeMabhizimisi


Mitengo yezvinhu iri kuramba ichikwira zvakanyanya munyika nekuda kwekushaya simba kwedhora rezimbabwe zvasiya vakawanda vave kunonga svosve nemuromo.

Kunyangwe pamutemo dhora rekuamerica riri kutengwa nemadhora emunyika chiuru chimwe chete nemazana masere nemakumi masere kana kuti US$1 to 1888 ZWD, pamukoto vanhu vari kutenga dhora rekuamerica nemari iri pakati pezviuru zvitatu nemazana mashanu kusvika kuzviuru zvina kana kuti US$1 to 3,500 ZWD or 4, 000 ZWD.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vari kuti izvi zviri kukonzerwa nevamwe vemabhizimisi vari kuita zvenhafu uye vari kuvimbisa kuora matanho.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Doctor Calvin Mudzingiri vanodzidzisa paUniversity of the Free State vaudza Studio 7 kutinyaya dzehuwori nemitemo yezvehupfumi inongomuka yachinjwa zvapa kuti Zimbabwe iite seyakageza negoka munyama.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG