Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Mbudzi 18, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Kushaikwa kwemagetsi mudare redzimhosva kwotadzisa kunzikwa kwechikumbiro chenhengo yebato reCitizens Coalition for Change vari mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala, chekuti vapiwe mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumb pamhosva yavari kupomerwa yekukonzera mhirizhonga.

Zimbabwe National Statistics Agency kana kuti Zimstats inoti iri kuramba ichitambira nzira dzechizvinozvino mukuita basa rayo retsvakurudzo yezvinhu zvakasiyana-siyana nguva nenguva, nekubuda nemafigiri akafanira etsvakurudzo idzi sezvo kuita izvi kwakakosha mukusimudzira budiriro yenyika.

Kukwira kwenyaya dzekushungurudzwa kwevana vadiki nevehukama uye kumitiswa kwevanasikana vasati vabvazera kwoshungurudzwa vemasangano anorwira kodzero dzevana nemadzimai.

Zimbabwe National Statistics Agency, kana kuti Zimstats, inoti iri kuramba ichitambira nzira dzechizvinozvino mukuita basa rayo retsvakurudzo yezvinhu zvakasiyana-siyana nguva nenguva, nekubuda nemafigiri akafanira etsvakurudzo idzi sezvo kuita izvi kwakakosha mukusimudzira budiriro yenyika.

Vamwe vavhoti vanogara mumapurazi makuru kana kuti A2 Farms mudunhu reMashonaland West vari kuchema chema kuti nzvimbo dzekunovhotera mudunhu mavo dziri kure zvakanyanya nekwavanogara

Vatambi gumi nemumwechete vari kurwira mukombe we2022 Castle Lager Soccer Star of the Year vasarudzwa nhasi, panguva iyo pasi rose ramirira nemaziso matsvuku kutanga kwemitambo yeWorld Cup 2022 kuQatar neSvondo.

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino, nhasi tichakupai hurukuro nemuimbi wechidiki, Tawanda Gunda, anozivikanwa neremagitare rekuti Q Shine.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8:00pm nhasi tiri kukurukura nezvekukwira kwenyaya dzekushungurudzwa kwevana zvikuru nevehukama uye kumitiswa kwevamwe kunyange hazvo vasati vabva zera.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG