Hurumende yotungamira hurongwa hwekukurudzira kuti zvirango zvakatemerwa vatungamiri venyika nevavanodyidzana navo zvibviswe asi America ichiti kana pasina hutongo hwejekerere munyika kuratidzira kupedzera hOKO padehwe retsindi.
Zanu-PF yotarisirwa kutanga musangano wayo weCongress mangwana pasina ari kutarisirwa kukwikwidzana nemutungamiri webato uye wenyika VaEmmerson Mnangagwa.
Vamwe vatori venhau kunyanya vanoshanya kuZBC, Herald nemamwe mapepa ehurumende voyedza kuumba chikwata cheJournalists for ED.
Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzoita maonero akasiyanasiyana pamusoro petarisiro yebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe yekuti kukwira kwemitengo yezvinhu kana kuti inflation yepamwedzi kucharamba kuchihidzika zvekusvika pakati pezvikamu zvitatu kubva muzana kana zvishanu kubva muzana, uye yepagore ichadzikawo zvekusvika pazvikamu makumi mashanu kubva muzana kana kuti 50 percent panosvika pakati pegore rinouya.
Muchirongwa chedu chevechidiki cheThe Connection na 8 pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yehurumende yekukurudzira kuti zvirango zvibviswe uko America ichiti kuratidzira kupedza nguva.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose
Facebook Forum