Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vosvika kuDRC kuMusangano weSADC


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasvika kuDRC kumusangano wechimakumi mana nemaviri kana kuti 42nd Ordinary Summit of the Southern African Development Community.

Vatungamiri venyika gumi nenhanhatu vari kutarisirwa kumusangano uyu.

Musangano uyu uri kutanga mangwana paPalais du Peuple kana kuti Parliament Building. Nyika dzinenge dziripo dzinoti Angola, Botswana, Comoros, Democratic Republic of Congo, eSwatini, Lesotho, Madagascar, Malawi, Mauritius, Mozambique, Namibia, Seychelles, South Africa, United Republic of Tanzania, Zambia ne Zimbabwe.

Vamwe vakuru kubva kuAfrican Union nemamwe matunhu vari kutarisirwawo kupinda mumusangano uyu.

Mutungamiri weDRC VaFĂ©lix Tshisekedi Tshilombo vari kutarisirwa kutora chigaro chekuva sachigaro weSADC kubva kuna VaLazarus Chakwera vekuMalawi.

Dingindira remusangano uyu rakananga nekusimudzira hupfumi muSADC kuburikidza nemaindustry, zvirimwa uye kukwenenzvera zvicherwa zvisati zvatengeswa kunze.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG