Accessibility links

Breaking News

Sangano reGender Media Connect Roparura Gwaro reTsvakurudzo paNyaya Dzine Chekuita neVatori veNhau veChidzimai muNyika.


Zimbabwe Media Commission

Sangano reGender Media Connect richishanda ne FOJO–Media Institute ine muzinda wayo kuSweden, nechikoro chepamusoro cheGothenburg University chekuSweden zvakare, raparura gwaro retsvakurudzo dzavakaita pamusoro pe nyaya dzinechekuita nevatori venhau nevatepfenyuri vechidzimai munyika.

Gwaro iri rinoti chero zvazvo Zimbabwe ine mitemo iri pajekerere mune zvematorerwo enhau, madzimai anosimukira mashoma pane varume.

Zvimwe zviri mugwaro iri zvinoti madzimai ari muzvigaro nemabasa ekutungamira mumabasa ezvekufambiswa kwe mashoko mashoma pane varume.

Madzimai ari muindasitiri yekufambiswa kwe mashoko anoti haasi kufara ne mitemo inovachengetedza mumabasa,inochegetedza kodzero dzavo, nekuumbwa kwe mabhodhi akakosha seZimbabwe Media Commission, neBroadcasting Authority of Zimbabwe.

Sachigaro weMedia Commisson, Muzvinafundo Ruby Magosvongwe vanoti madzimai ndiwo akawanda kudarika varume munyika asi makambani nemasangano enhau nekufsmbiswa kwemashoko mazhinji anotungamirwa nevarume.

Vanotiwo madzimai anotarisirwa pasi nekuda kwechivanhu chemuZimbabwe chinoti varume vari pamusoro pemadzimai muzvinhu zvese asi mafunfiro aya anofanira kuchinja.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG