Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chipiri, Chivabvu, 10, 2022


Shona Headlines

Mutengo wekukwira kwezvunhu kana kuti Inflation wosvika pazvikamu makumi mapfumbamwe nemanomwe kubva muzana kana kuti 96% apo mitengo yezvinhu yoita chamurambamhuru

Nhengo yeZanu-PF VaSybeth Musengezi avo vari kuti mutungamiri webato reZanu-PF Vaemmerson Mnangagwa havana kusarudzwa zviiri pamutemo vodaidzwa kumapurisa ayo ave nenhguva achuvatsvaga asi asingataure kuti ari kudei..

Nyanzvi mune zvehupfumi, vezvitoro pamwe nevashandi vopa maonero akasiyanasiyana pamusoro pematanho akaziviswa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa mukupera kwesvondo, ayo akanangana nekugadzirisa hupfumi hwenyika, vamwe vachiti achabatsira kuunza chivimbo asi vamwe vachiti haana zvikuru zvaanobatsira nazvo.

Vakuru veguta reMutare vave kutarisira kune vamwe vakazvimirira voga kuti vabatsirwe pakutakura marara ayo ongoita matutu nematutu mugutairiiro raimbove nemukurumbira weshaya marara pose pose.

Sangano reZimbabwe Gender Commission (ZGC) rakabatana neUnited Nations Development Programme (UNDP) neUnited Nations (UN Women under the Spotlight Initiative), vanoparura chirongwa chetsvakurudzo muruzhinji pamusoro pekutyorwa kwekodzero dzevanasikana vanomanikidzwa kuroorwa vari vana vadiki

Muchirongwa chedu cheThe Connection nhasi tiri kutarisa matambudziko akatarisana nevechidiki akapa kuti rimwe sangano revadzidzi reZINASU rikurudzire vanhu kuti varatidzire. Muchirongwa chanhasi, Mike ari kuita hurukuro nevanotevera:Mutungamiri weZINASU VaBenon Ncube.Mumwe wevechidiki VaNyasha Gwazemba.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG