Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Muvhuro, Chivabvu, 02, 2022


Nhau DzeShona Studio7

Vamwe vatsigiri veCitizens Coalition for Change varohwa nemapurisa vachitsvagira rutsigiro VaLovemore Maiko vaive meya weguta iri vasati vadzingwa nebato reMDC-T rinotungamirwa naVaDouglas Mwonzora.

Vamwe vana votanga kudzokera kuchikoro asi vabereki vachichema chema nekuwedzerwa kwemari yechikoro nezvikwanisiro. Varairidzi vari kuchema chemawo kuti mari dzavari kutambiriswa ishoma vamwe vachiti vanogona kuramwa mabasa.

Vatori venhau voita gadziriro yekupemberera zuva rekutora nhau vakasungunuka kana kuti Press Freedom Day.

Hondo yekurwiswa kweUkraine neRussia iri kuenderera mberi mauto eRussia achipomerwa mhosva yekubata chibharo mamwe madzimai emunyika iyi.

Muchirongwa cheLiveTalk na8 pm tiri kutarisa nyaya yezuva rekusungunuka kwevatori venhau mukuita basa ravo kana kuti Press Freedom Day.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG