Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kurume, 24, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Mutungamiri webato reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa voita musangano kuEpworth sezvo mapurisa adududza achivapa mvumo mushure mekumboda kuvarambidza asi achipa Zanu-PF mvumo yekutsvaga rutsigiro munzvimbo iyi.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden voita musangano weNATO kuBrussels uye vari kutarisirwawo kuita mimwe misangano nenyika nomwe dzakabudirira kana kuti G7 nemumwe neEuropean Council pamusoro pemamiriro akaita zvinhu muUkraine zvichitevera kuda kupambwa kwayo neRussia.

Rimwe gweta rotaura nezvekudomwa kunoitwa vatongi muAmerica zvichitevera kusarudzwa kwaAmai Ketanji Brown Jackson nemutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden kuti vapihwe mukana wekuva mudzimai mutema wekutanga kuva mutongi mudare repamusoro soro reSupreme Court.

Magweta ari kumirira mutungamiri webato re LEAD, Muzvare Linda Masarira, avo vari kukwikwidza musarudzo dzekutsvaga mumiriri weHarare Central mudare reparamende dziri kuitwa neMugovera, nezuro akakwira kudare reHigh Court achida kuti dare rimanikidze Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuti iburitse nekukasika gwaro revavhoti richashandiswa musarudzo idzi.

Vanhu vanodarika zviuru makumi manomwe vobayiwa nhomba yeCovid-19 nezuro.

Muchirongwa cheWomen’s Roundtable chatinotaura nemadzimai nhasi na8pm tiri kuita hurukuro nezvesarudzo dzemaby elections dziri kuitwa nemusi weMugovera.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG