Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kurume, 15, 2022


Shona Headlines

Vanhu vakawanda munyika vochema chema nekukwira kwemitengo yezvinhu.

Vaimbova meya weHarare VaHerbert Gomba vebato reCCC votarisirwa kumiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva dzinechekuita nesarudzo.

Dare ramejastiriti muBulawayo rinoti mutori wenhau Jeffrey Moyo anonzi akapinza munyika vamwe vatori venhau vekunze anofanira kutongwa kwete kuti mhosva yake iraswe.

Muchirongwa cheThe Connection nhasi na8pm tiri kuita hurukuro nevechidiki nezvesarudzo dzemaby elections uye mhirizhonga yoitika munyika nekuti vari kuwaniswawo mukana wekukwikwidza zvigaro here.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG