Accessibility links

Breaking News

Mashoko Anotevera Anotaura Pamire Hurumende yeAmerica Pakudyidzana Kwayo neJapan neSouth Korea.


US Koreas Japan Blinken
US Koreas Japan Blinken

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAnthony Blinken vanoti kwemakore akawanda kudyidzana kweAmerica, Japan neRepublic of Korea kwaratidza kuti kwakakosha zvikuru munyika dziri mudunhu reIndo Pacific nepasi rose.

Vati munguva ino yekusagadzinaka kwezvinhu asiwo paine mimwe mikana iri kumuka zvakakosha kuti nyika idzi dzibude negwara rakajeka rekuti dzinoshanda sei.

Izvi VaBlinken vanoti zvinosanganisira nyaya yekuyedza kupedza chirwere cheCovid-19 uye kusimbaradza nyaya dzekudyidzana munyaya dzezvehupfumi.

Vatiwo nyika idzi dzinofanira kutsvaga nzira dzekukwenenzvera zviwanikwa kuti dzisavimbe ndzimwe nyika dzinotyora kodzero dzevanhu. Izvi vanoti zviri nyore kuita panyika nhatu idzi kana dzakabatana dziine chisungo chimwe chete. VaBlinken vanoti kusimbaradza nyaya dzezvehupfumi kunobatsirawo kusimudzira hupenyu hwevanhu.

Vatiwo zvakakosha kuti vashandi nevemabhizimisi munyika idzi vakwikwidzane zvakaenzana nekuvapa rusungunuko panyaya yekutengeserana nemuchadenga kusanganisirawo kumabudazuva kwegungwa reChina Seas.

VaBlinken vanoti kutengeserana pachena pakati penyika nhatu idzi kunopa mukana wekuumba ramangwana rakanaka nekusimudzira zvigadzirwa kuti zvive zvemhando yepamusoro soro pachishandiswawo michina yechizvino zvino.

Pamusangano pakati penyika nhatu idzi pakataurwawo nezvenyaya yekuti dzibatane mukutsvaga nzira dzekuona kuti zvombo zvenuclear zvabviswa Korean Peninsular uye kuti pave nerunyararo.

VaBlinken vari kushorawo zvikuru zvakaitwa neNorth Korea zvekuyedza simba rezvombo zvemuchadenga uye chirongwa chenyika iyi chekuramba ichityora mitemo yeUnited Nations ichigadzira zvombo zvenuclear. Vati vachaenderera mberi vachiranga North Korea zvakaomarara vachishandisa zvirango zvehupfumi. Vatiwo mazuva apera, vamwe vanamuzvinabhizimisi vasere vanotsigira nyika iyi vakatemerwawo zvirango.

Asi vanoti America yakagadzirira kuita nhaurirano dziri pachena pasina zvirehwa rehwa neNorth Korea ndokunge yasarudza nzira yerunyararo.

VaBlinken vati havo America yakazvipira kudzivirira Japan neSouth Korea nekusimbaradza nyaya dzekudyidzana munyaya dzezvehupfumi nehukama pakati pevanhu vemunyika nhatu idzi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG