Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gumiguru 02, 2020 


Misoro yeNhau

Hurumende yakazivisa nezuro manheru kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakanga hwasvika pazviuru zvinomwe nemazana masere nemakumi mashanu, kana kuti 7,850 zvichitevera kubatwa kwevanhu gumi nevaviri nezuro wakare.

Hurumende inokanzura sarudzo dzema by elections nepamusana peCovid-19

Dare repamusoro soro rinopa mvumo MDC-T yekuwedzera nguva isati yaita kongiresi yayo yechimbi chimbi.

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, pamwe nemudzimai wavo, Amai Melania Trump, vanozivisa kuti vakabatwa nechirwere cheCovid-19.

Varairidzi vanoramba kutambira mari yekubatsirikana yakawedzerwa nehurumende nezvikamu makumi mana kubva muzana.

Mitambo yekiriketi yotanga kutamba nemusi weSvondo zvichitevera kupihwa mvumo kwakaitwa mitambo iyi nehurumende

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG