Accessibility links

Breaking News

panel


Pave nemaonero akasiyanasiyana pamashandisirwo echisimba nemapurisa pakuparadza vanhu vakanga vaungana pamauzinda webato reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, weMorgan Richard Tsvangirai House muharare nezuro, apo vanhu vakawanda vakarohwa zvakaipisisa nemapurisa. Izvi zvinotevera musangano wekutaura kuruzhinji rwenyika waida kuitwa nemutungamiri weMDC pamuzinda wavo, uyo mapurisa anoti akanga asina kubvumidza kuti uitirwe mukati meguta nekuda kwekuti munenge muine vanhu nedzimotokari zvakawanda. Vamwe vanoti mapurisa akatyora kodzero dzevanhu vakanga vachizvifambira zvavo, pamwe nenhengo dzebato reMDC nekutanga kurova vanhu kwaakaita. Asi vamwewo vanoti mapurisa aifanirwa kutora matanho mushure mekunge nhengo dzeMDC dzaramba kuteerera zvadzaiudzwa nemapurisa. Mukuzeya nezvenyaya iyi tabata mukuru wesangano reCentre for Natural resource Governance, uye vari murwiri wekodzero dzevanhu, VaFarai Maguwu, pamwe nemutewedzeri wemutungamiri webato reMDC-T, VaObert Gutu. T

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG