Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vopedza Masvondo Maviri Vasina Mvura Mudzimba


Su
Su

Vamwe vagari vemuHarare voanoti vava kutyira hutano hwavo nekuda kwekushaikwa kwemvura yemupombi mudzimba dzavo.

Dzimwe dzenzvimbo dzisina mvura dzinosanganisira Avenues, Kuwadzana, Mufakose neMbare.

Muzvare Anna Chibamu mugari wekumaAvenues vaudza Studio7 kuti zvava kuvaomera kugara mudzimba dzine zvimbuzi mukati nekuda kwekusavapo kwemvura.

Mumwe mugari wekuKuwadzana, Muzvare Abigail Tsoroti, vatiwo havana kumboyambirwa kuti mvura ichaenda.

Muzvare Tsoroti vatiwo vari kupinda mudambudziko rekuti vanoramba vachibhadhara mvura kukanzuru, iyo mvura yacho isiko.

Muzvare Tsoroti vatiwo kanzuru yeHarare haina hany’a nehutano hweveruzhinji kana vachiendesa mvura kwenguva ndefu panguva iyo zvirwere zvemudumbu zviri kuramba zvichiputika.

Mukuru weHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vatiwo nekuda kwekukura kwakaita dzimhuri, kushaikwa kwemvura kunovhiringidza hutano hweveruzhinji.

VaShumba vati tarisiro yavo yange iri yekuti kanzuru iendese mvura kunzvimbo dzinogara veruzhinji, asi izvi hazvisi kuitika.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rekanzuru yeHarare sezvo vanotaura vakamirira kanzuru iyi vanga vasingabatiki.

Maguta eHarare neChitungwiza anogaronetsekana nezvirwere zvemudumbu zvakadai seCholera neTyphoid nekuda kwekushaikwa kwemvura yakachena.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG