Accessibility links

Breaking News

Musika wefodya uri kutarisirwa kuvhurwa zviri pamutemo nhasi muHarare nedzimwe nzvimbo munyika dziri kutengeswa fodya nevarimi.

Sangano reTobacco Industry and Marketing Board kana kuti TIMB rinoti riri kufara negadziro yaitwa kumisika inoti Premier Tobacco Auction Floors, Boka Tobacco Auction Floors ne Tobacco Sales Floors.

Makore apfuura varimi vaimbochema chema nenyaya yekushaya mari dzavo, asi rwendo rwuno hurumende iri kuvavimbisa kuti vachawana imwe mari nechimbichimbi pamabhanga ari pamusika uyu.

Mutevedzeri wegurukota rezvemari VaTerrence Mukupe vanoti rwendo rwuno vari kutarisira kuti zvinhu zvichafamba zvakanaka kumusika uyu kudarika mamwe makore.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG