Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakasvika kuBotswana nemusi weMuvhuro uko vari kupinda mumisanagano yemazuva maviri nemutungamiri wenyika iyi, VaIan Khama.

VaMngangagwa vakaperekedzwa nemakutukota gumi neri mwe chete. Vatungamiri vaviri ava vanoti misanagano iyi iri kufamba zvakanaka chose uye vatombosangana vari vaviri kuhofisi yaVaKhama. VaKhama vakagadzirirawo vaenzi vavo kudya kwemasikati vakakokawo makurukota ose navanamuzvinabhizimisi.

VaMnangangwa vakazotaurawo mudare reparamende yeBotswana. Mutungamiri wenyika VaMnangagwa vanotarisirwa kunoonawo basa riri kuitwa nekambani inonzi Diamond Trading Company iri muGaborone guta guru renyika iyi. Mharidzo yaVaMnangagwa ichingori imwecheteyo yekuti Zimbabwe yavhurwa mukana wekuita mabhizinesi.

Nyanzvi munyaya dzezve hupfumi vachishandira kuBotswana VaGarry Guma vanoti kudyidzana kweZimbabwe neBotswana kwakakosha zvikuru sezvo nyika idzi dzakaganhurana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG