Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gumiguru 09, 2017


Nhau dzeShona Studio7
Nhau dzeShona Studio7

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gumiguru 09, 2017

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gumiguru 09, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu vakawanda votaura pamusoro pechirongwa chekunyoresa kuvhota icho chiri kuparurwa zvine mutsindo mangwana vakawanda vachiti havasi kunyatsoziva kwavanofanirwa kuenda kunonyoresa kuvhota, zvikuru vanhu vari kumaruwa.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvine vabereki vakaberekerwa kunze kwenyika zvoshushikana nemashoko ekuti havabvumirwe kuvhota munyika kana vasina kutora mhiko yekuti havasisineyi nekunyika dzakaberekerwa vabereki vavo, izvo nyanzvi dziri kuti zvinotyora bumbiro remitemo yenyika.

Vari pamudyandigere vochema chema nehurongwa hutsva hwavari kushandisa pakutora mari dzavo dzepenjeni vachiti makadhi avari kushandisa kutora mari kumabhanga ari kubhadhariswa mutero, izvo zviri kuita kuti vasare vaine mari shoma.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, votarisirwa kuvandudza dare ravo remakurukota panguva iyo makakatanwa muZanu PF ari kuenderera mberi.

Makurukota ezvemari muAfrica osangana pamusangano wezuva rimwe chete muWashington DC

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa kunetsana kuri kuitika muZanu PF uko kwasiya VaMugabe vakatarisirwa kuvandudza dare remakurukota kuitira kuti vaedze kupedza makakatangwa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG