Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva reMagamba VaMugabe Vachishora Vanopikisa


Pamarinda anovigwa magamba eNational Heroes Acre
Pamarinda anovigwa magamba eNational Heroes Acre

Zimbabwe yakacherechedza zuva remagamba nemusi weMuvhuro mutungamiriri wenyika,VaRobert Mugabe vachishora zvakaitwa nemasoja zvekurova mapurisa nguva pfupi yapfuura vachiti izvi zvinokanganisa mabasa ekuchengetedza nyika.

Vachitaura pamarinda eHeroes Acre, VaMugabe vakati vakataura nevakuru-vakuru vemasoja vakavaudza kuti izvi hazvifaniri kuitika zvakare.

VaMugabe vatiwo vanoda runyararo sezvo nyika yatarisana nesarudzo dzegore rinouya.

Mukuru webato re Multi Racial Christian Democracts, VaMathias Guchutu, vaudza Studio 7 kuti mashoko aVaMugabe akanaka chose sezvo nyika ichifanira kuva nerunyararo.

VaMugabe vakashorawo vamwe varimi vechitema avo vati vave kushanda nevamwe varimi vechichena avo vakambenge vatiza munyika.

Mutungamiri wenyika akashorawo vamwe vanhu vemuZimbabwe avo vati vanotsigira zvirango zvehupfumi zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzakaita seBritain.

Vakaenderera mberi vachitiwo hazvigoni kuti nhengo dzebato rinopikisa dziradzikwe panzvimbo inovigwa magamba yeHeroes Acre.

Mumwe mugari wemuHarare, VaJonstone Chirwai vaudza Studio 7 kuti zuva remagamba rakakosha chose uye vanhu vemuZimbabwe vano remekedza magamba kunyange hazvo vasiri kufara nemaitiro emamwe magamba akaita semutungamiriri wenyika VaMugabe.

Vatiwo zuva remagamba izuva ravanonyanyorangarira magamba aya asina kudzoka kubva huhondo.

Mukuru webato rinopikisa reFreezim Congress, VaJoseph Busha vati zuva remagamba rakakosha chose uye magamba ose anofanira kuchengetedzwa nehurumende.

Mumashoko avo pazuva remagamba, mutungamiriri webato guru rinopikisa reMovement for Democractic Change, VaMorgan Tsvangirai, vati zuva riri rakakosha chose uyewo zvinofadza kuti vakarwa muhondo yerusununguko vave kuonawo kuti vakarwira munhu mumwe chete nemhuri yake.

Vakaendera mberi vachiti magamba akarwisa hurumende yehudzvanyiriri yeRhodesia asi hapana kana mutsauko uripo pakati payo nehurumende yaVaMugabe.

VaTsvangirai vati vanhu vese vanofanira kunyoresa kuti vavhote musarudzo dzegore rinouya kuitira kuti vachengetedze rusununguko rwavo.

Vatiwo vechidiki havafanire kubatwa kumeso naVaMugabe pamisangano yavari kuita mumatunhu akasiyana siyana, vachiti vechidiki ava vanofanira kuziva kuti remangwana renyika riri mumaoko mavo.

Nyaya ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG