Accessibility links

Breaking News

VaMahachi Voendesa VaKasukuwere naVaManyenyeni kuMatare


VaSaviour Kasukuwere
VaSaviour Kasukuwere

Vaimbova mabharani mukuru kana kuti town clerk muguta reHarare VaTendai Mahachi neChipiri vakakwidza kudare repamusoro reHigh Court gurukota rinoona nezve kutongwa kwematunhu VaSaviour Kasukuwere uye meya weHarare VaBernard Manyenyeni vachiti vainge vavadzinga basa zvisiri pamutemo.

Kumapepa avakatura kumatare, VaMahachi vanoti vakangodzingwa basa nemakanzura emuHarare vasina kunge vaendesa nyaya yavo kubhodhi rebazi rinoona nezvekutongwa kwematunhu.

VaMahachi vanotiwo havasi kuda kuti VaManyenyeni vadzikise mari yavari kutambira iyo inonzi inogona kusvika zviuru makumi maviri nemasere memadhora.

Makanzura emuHarare akavhota mukupera kwemwedzi wapera kuti vadzinge VaMahachi basa vachivapomera mhosva yekuzvidza kanzuru nekuramba kuipa magwaro akakosha ane chekuita kuti vaihora mari yakawanda zvakadii uye vachinzi vaikanganisa zvakanyanya kuvandudzwa kwemabasa mukanzuru.

Asi VaMahachi vanoti zvose izvi ndezve mugotsi matsuro vachiti vari kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya.

XS
SM
MD
LG