Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voronga Kudyidzana neNyika dzeKumadokero?


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vavhura neChipiri paramende yechisere nhengo dzeMDC-T dzisiri mudare iri vachiti hurumende yavo yakazvipira kushanda nenyika idzo dzakavatemera ivo nevamwe vavo zvirango zvehupfumi.

Vachitaura muHarare, VaMugabe, avo vange vasiri kudyidzana nenyika dzekumadokero kwemakore anodarika gumi, vanoti hurumende yavo yave kuda kugadzirisa hushamwari hwayo nenyika dzepasi rese.

VaMugabe vanotiwo nyika dzakatemera Zimbabwe zvirango zvehupfumi dzinofanira kuzvibvisa kuitira kuti pave nehukama hwakanaka pakati peZimbabwe nenyika idzi.

VaMugabe vanoti hurumende yavo ichaenderera mberi nechirongwa chayo chekupa masimba ehupfumi kuvatema. Vanotiwo paramende inofanira kusandura mitemo kuitira kuti chirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema chifambe zvakanaka.

Vatiwo vashandi vehurumende vanofanira kupinda muchirongwa chekupa masimba ehupfumi kuvatema, vakati hurumende yakatotanga kambani yeZimbabwe Public Service Investment Trust kuti izvi zvikwanise kuitika.

VaMugabe vanotiwo paramende inofanira kuumba mutemo unoomesera nhengo dzeparamende dzinoshandisa mari yekusimudzira matunhu kana kuti Constituency Development Fund, zvisina mwero.

VaMugabe vanoti hurumende ichavandudza mashandiro emakambani ehurumende pamwe nemakanzuru. Vatiwo vanotungamira makambani aya kana makanzuru aya vachadzingwa basa kana vasiri kushanda zvakanaka zvisina huori mukati.

Vatiwo hurumende yavo icharwisa huori uye vari mukomisheni inorwisa huori, vanofanirwa kuburitsa pachena hupfumi hwavo vasati vatanga kurwisa huori.

VaMugabe vataura mashoko aya pamberi penhengo dzebato ravo, nhengo dzeMDC inotungamirwa naVa Welshman Ncube, pamwe nevamiriri venyika dziri muZimbabwe vanosanganisira mumiri we America muZimbabwe, Ambassador Bruce Wharton.

MDC-T haina kuenda kunonzwa VaMugabe vachitaura sezvo bato iri risiri kucherechedza VaMugabe semutungamiri wenyika.

Bato iri rinoti VaMugabe nebato ravo vakabira musarudzo dzakaitwa musi wa 31 Chikunguru.
XS
SM
MD
LG