Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inopinda Muchironga cheHutsanana cheSvondo Rose


Map of Zimbabwe
Map of Zimbabwe
Zimbabwe yakatanga kucherechedza neMuvhuro svondo rehutsanana nekuwanirwa kwevanhu mvura yakachena, kana kuti sanitation week paine chikumbiro chekuti makanzuru emadhorobha neekumaruwa anofanirwa kukurudzira veruzhinji kuumba makirabhu ezvehutano kuitira kuti nzvimbo dzinogara veruzhinji dzigare dzakachena.

Kurudziro iyi yaitwa nemukuru anoona nezvehutatsanana mubazi rezvehutano, VaGoldberg Mangwadu, apo vange vachitaura nevatori venhau pamusoro pehurongwa hwehutsanana.

VaMangwadu vatiwo nyaya dzehutsanana dzichiri pasi pasi muZimbabwe. Vatiwo zvakaonekwa kuti pachine vanhu vakawanda vekumaruwa vari kuitira tsvina mumasango. Vanoti izvi zvichiri kuitikawo mumadhorobha.

VaMangwadu vati nekuda kwekuti vagari vemunzvimbo dzakasiyana siyana ndivo vari kusvibisawo nzvimbo dzavanogara, makanzuru anofanira kubatsira vanhu ava kuumba makirabhu anokurudzira pamwe nekubatsira veruzhinji kuti varase marara munzvimbo dzinokodzera, pamwe nekurega katsika kekuitira tsvina munzvimbo dzisina kukodzera.

Amai Rememberance Mashava, avo vanoshanda neInstitute for Sanitation and Water Development, vatiwo dingindira regore rino nderekuti vanhu vanofanira kusiyana nekatsika kekurasira marara pese pese pamwe nekurega kuitira tsvina munzvimbo dzisina kukodzera.

Mumwe mukuru mubazi remvura mukanzuru yeHarare, VaSamuel Muserere, vatiwo kanzuru yeHarare iri kushanda napose painogona napo kuitira kuti guta rive nehutsanana nemvura yakachena. Asi vati pane dambudziko remari yekuti mabasa avanoda kuita aitwe.

Vati semuenzaniso, mumakore mashonana apfuura paigara paine mapaipi emasiwegi makumi mashanu anoputika pamusha wega wega, asi mazuva ano dambudziko iri radzikira kusvika pamapaipi gumi chete pazuva rese muguta.
Asi VaMuserere vatiwo vanoshushikana kuti kanzuru yeHarare iri kuramba ichidira mvura ine tsvina mudhamu reChivero sezvo michina yayo yekugaya siweji iri kutadza kugaya siwegi yese inobva muguta zuva rega rega.

Harare inoburitsa 144 mega-litres dzesiweji pazuva, asi ichikwanisa kugaya 94 megalitres dzesiweji chete.

Nyaya yekushaikwa kwehutsanana nekusatakurwa kwemarara ndiyo imwe inoita kuti vagari vemuguta iri vabatwe nezvirwere zvekorera nezvimwe zvinokonzerwa nehutsvina.
Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG