Accessibility links

Breaking News

Gurukota rekuChina Rinoshanyira Zimbabwe


Eliphas Mukonoweshuro

Munyori wezvekunze muMDC, VaElphas Mukonoweshuro, vanoti China inoita zvinodiwa neZanu PF kwete neveruzhinji

Gurukukota rezvekunze muChina, VaYang Jiechi, vari muZimbabwe kwemazuva maviri umo vari kutarisirwa kusangana nevatungamiri vehurumende yemutabanidzwa vachiedza kusimbisa hukama pakati penyika mbiri idzi.

VaYang vari kutarisirwa kuzoenda kune dzimwe nyika muAfrica dzinosanganisira Gabon, Ghana neTogo. Vanowona nezvematongerwo enyika pamuzinda weChina muZimbabwe, VaTang Shentingv, vanoti misangano yaVaYang iri kutarisirwa kubata nyaya dzematongerwo enyika kupinda zvehupfumi.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti bato ravo riri kufara nekuuya kwaVaJiechi.

Munyori wezvekunze muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, Va Eliphas Mukonoweshuro, vanoti vaJiechi havasi kuzobatsira kukurudzira Zimbabwe mumisangano yavo asi kuti hukama hwavo ne ZANU-PF.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Va Charles Mangongera, vanoti hukama hwe Zimbabwe neChina hausi kuzobatsira ruzhinji rwe Zimbabwe, asi kuti vanhu vashoma mu ZANU-PF.

XS
SM
MD
LG